Nhengodzivo

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuNhengodzivo inobvinina norusarura)

Muzvidzidzo zveScience nhengodzivo (membrane) rukanda rune basa rekuputira, kuganhura, uye kubatanidza nhengo kana nyere.

Nhengodzivo inobvinina norusarura (selectively permeable membrane or semipermeable membrane in English) zvinoreva rukanda runotendera mheu dzimwe kudarika asi rusingatenderi dzimwe mheu kudarika. Rukanda rwemhando iyi runoshanda apo madzinde anosveta mvura kubva muvhu ichikwira nemunhengo dzawo kusvika kumashizha muchiitiko chemusenerera. Nokumwe kutaura tingati membrane rukanda runosarura zvinobvinina.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Permeable zvinoreva chiro chinobvinina.
  • Semipermeable or selective permeability zvinotaura chiro chinosarura mheu dzinokwanisa kudarika pakubvinina, asi chiro ichi chichidzivisa dzimwe mheu kudarika. Nokumwe kutauro kunopfupisa tinokwanisa kuti nhengopfunha inobvinina norusarura kureva iyo selective permeability.
  • Mamwe mashoko anokwanisa kushanda kureva membranne ndeanoti: nhengopfunha kana mudzivo wenhengo. Shoko rokuti mudzivo (boundary) rinoreva pamuganhu panoperera nhengo, mutumbi kana kana chinhu chiri kucherechedzwa. Saka apa zvoreva kuti membrane inenge iri muganhu wenhengo. imwe kana muganhu unoganhura nhengo kubva kune dzimwe nhengo. Pahuwandu kunenge kuchinzi nhengodzivo zvakare.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Tem vanoti furuú (n. 1. bag; 2. condom; 3. folder) kureva furu.
  • Luganda vanoti chikuta (husk, shell, bark of a tree) kureva goko, mashanga kana gwati. Kinyarwanda vanoti rukuta (wall).
  • Swahili vanoti kikuta (stone border, masonry enclosure e.g. around a grave) kureva mudhuri wemambwe wakakomberedza musha kana rinda.