Musenerera

Kubva Wikipedia

Musenerera (Osmosis kuEnglish) chiitiko chinoonekwa chekuti nyungurudzi inowanikwa ichidarika nhengopfunha inosarura zvinobvinina, ichibva kudivi rine gupuko renyungurwa rakadzikira kuenda kune gupuko wenyungurwa rakakwirira. Mhedzisiro yemusenerera ndeyekuti mativi maviri erukanda anenge ava negupuko rengunyudurwa rakaenzana.

Musenerera wakakosha pakurarama kwemadzinde nokuti ndiyo nzira inoshandisa kusveta mvura kubva muvhu ichitevedza nhengo dzedzinde dzamara yasvika kumashizha. Fertilizer ikawanda muvhu zvinokonzera kuti dzinde ritsve nokuti apa musenerera unenge woitika mvura ichibuda mudzinde kupinda muvhu; saka kuchinzi fertilizer isawanzwa.

Kupiwa kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko rokuti musenerera rinotodza pane rekuti senerera rinoreva kumanikidzira kupinda kanzvimbo kadiki pakamanika. Kana kuri kuEnglish shoko rokuti osmosis rinotodza rechiGreek rekuti osmos rinoreva to thrust or push in – izvozvi zvokusundira kana kusenerera kupinda pakamanika ndizvo zvinoitika neosmosis..

Shoko rokuti gupuko (concentration kuEnglish) rinoreva huwandu hwenyungurwa yakanyungudutswa mumunyungu huchipimwa pachiyero chimwechete chehuwandu hwemunyungu. Huwandu hwemunyungu huri kucherechedzwa hunokwanisa kunge huri huremu kana mumhu. Shoko iri rinotodzana nerinoti kukupuka rinoreva kupfuma, kukuputsa roreva kupfumisa.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mvura inotorwa muvhu kupinda kumidzi yemuti kuburikidza nemusenerera.
  • Osmotic pressure inenge yonzi - puresha yemusenerera.
  • Reverse osmosis inenge yonzi - musenerera wenhendashure.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mang'anja vanoti kusereza (to push through; make to pass through - as a needle in cloth or pushing something through a slightly open door; creep through).
  • Mang'anja vanoti kuserera (to pass through, between or beneath; creep through - as a goat through a hole in the goat-house).
  • Mang'anja vanoti seru (loose, as rings that do not fit). Mang'anja vanoti serula (pass through or up; separate from. derived from sera and serera).
  • MaZulu vanoti nseneneza kana seneneza (Move along in a constant stream, flow along, pour out (as from a building).