Ndwandwe

Kubva Wikipedia
Ndwandwe
c. 1780–1825
Hurumende Humambo
nKosi
c. 1780 - 1805 Langa KaXaba
• 1805 - 1825 Zwide kaLanga
Nhoroondo
Yakatanga c. 1780
Yadonha 1825
Yakatevera: Yakateverwa ne:
Tsika ye Nguni
Vuzulu

VaNdwandwe vatauri veBhantu vechiNguni vanogara munzvimbo dziri kuchamhembe che Afurika.

VaNdwandwe, nevaMthethwa, vaive simba guru muUmambo hwe Vazulu (Vuzulu) yanhasi pakutanga kwezana ramakore rechigumi nepfumbamwe. Pasi pehutungamiriri hwaMambo Zwide, rudzi rwekwaNdwandwe rwakaparadza vaMthethwa pasi pamambo wavo Dingiswayo, uye nzvimbo yekutonga yakazadzwa naShaka Zulu nerudzi rwe Vazulu. Mukurwisana nevaNdwandwe, Shaka akaunganidza masara evaMthethwa nemamwe marudzi emudunhu, uye akapona muhondo yekutanga ye Hondo ye Ndwandwe-Zulu naZwide paKohore yepaChikomo cheGqokli muna 1818.

Muna 1819, Zwide akaita imwe rwendo rwekurwisa Mazulu, asi Shaka akashandurazve maitiro ake, akarega mauto eNdwandwe achipinda munzvimbo yake ndokupindura nehondo dzemagandanga. Kushaikwa kwezvinhu kwakaita kuti vaNdandwe vadzokere kumusha, asi pavakanga vava kuyambuka Rwizi Mhlatuze kutanga kwa1820, mauto avo akapatsanuka ndokukundwa paKohore yepaMhlatuze.

Izvi zvakaita kuti rudzi rwavaNdwandwe ruparare sezvo mauto nevanakomana vaZwide vaitungamirira zvikamu zvevaNdwandwe nechekuchamhembe. Rimwe boka rakadai, riri pasi paSoshangane, rakaumba Humambo hweGaza muMozambiki yemazuva ano apo rimwe, richitungamirirwa naZwangendaba, rakagadza hutongi savaNgoni muMalawi yanhasi. Vamwe vakazvigadza sevakuru vakuru mu Eswatini neZambia kuti vaumbe nhaka yeVaNdwandwe yesimba risingaperi iro rakapararira muChamhembe che Afurika.

Vanotaura mitauro yechiNguni uye mitauro yepamutemo yemarudzi avo Chingezi muZambia neZimbabwe, uye Chiputukezi kuMozambiki.

Zvinembo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kohore[1] (battle -> kureva kugwisana kana kurwisana)

Tarisai futi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. Vashona, "battle" Yakatariswa: 22 Kurume 2022