Kukadzi

Kubva Wikipedia
<< Kukadzi >>
Svo Mvh Chp Cht Chn Chs Mg
1 2 3 4 5
6 7 8 9 10 11 12
13 14 15 16 17 18 19
20 21 22 23 24 25 26
27 28
....2021 - 2022 - 2023....

Kukadzi (kureva Febhuruwari paChishongrish muKarenda ya Gregori) kana Rukuve inguva inouya serunyararo kubva muzvishoma zvamwedzi wandira zvigadzirwa. Inguva iyo vakadzi vanodzora chiitiko. Vakadzi vane simba, vanenge chidzoka kubva kuminda uku vachienzanisa pamisoro yavo, tswanda dzetsanga dzakazara ne manhanga, mapudzi, nzungu nema nyimo.[1][2]

Mwedzi une mazuva makumi maviri nemasere mumakore akafanana kana makumi maviri nemapfumbamwe mumakore ekusvetuka, nezuva rechimakumi maviri nepfumbamwe riri kunzi zuva rekukwakuka. Ndiwo wekutanga pamwedzi mishanu kuve nemazuva asingasvike makumi matatu nemasere (mamwe mana ari Kubvumbi, Chikumi, Gunyana, naMbudzi) uye iwo wega kuva nemazuva asingasviki makumi matatu.

Mwedzi nomwe

  • Ndira, Kurume, Chivabvu, Chikunguru, Nyamavhuvhu, Gumiguru na Zvita

vane mazuva makumi matatu nemasere, zvichisiya mwedzi mina yakambotaurwa (Kubvumbi, Chikumi, Gunyana, naMbudzi) kuva nemazuva makumi matatu chaiwo. Izvi zvinoreva kuti mimwe mwedzi gumi nerimwe ine mazuva makumi matatu.

Vambo rezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zuva remwedzi uyu rakabva kuvakadzi nekuti imwedzi revakadzi, ndivo vanenge vachiunganidza zvinhu kubva kumunda.[1]

Mutsika dzevanhu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Ruambanyeredzi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Muruambanyeredzi, mwedzi waKukadzi unomirira masaini mavirira ezodhiyaki saini maviri:

Dombo remwedzi waKukadzi iEmishesi (amethyst)

Karenda ye Chivanhu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mukarenda yedu ye Chivanhu mwedzi wa Kukadzi unogona kuva nemazuva anosvika makumimatatu zvichienderana negore uye kufamba kwemwedzi.

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. 1.0 1.1 https://zimboriginal.com/shona-names-of-months/#February Yakatariswa: 25 Chikumi 2021
  2. http://www.zambuko.com/mbirapage/shona_imports/pages/calendar_months.html Yakatariswa: 25 Chikumi 2021
  3. The Earth passed the junction of the signs at 04:56 UT/GMT February 19, 2020, and will pass it again at 10:43 UT/GMT February 18, 2021.
  4. "Karenda yeRuambanyeredzi"