Mutupo

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Mutupo (totem) izita redzinza kana kuti boka revanhu vakambenge vagere munzvimbo imwe chete makarekare. Aya mazita anoshandiswa nemarudzi evanhu vatema vari muAfrica. Vanhu vane mutupo wakafanana vanotarirwa sevanhu vane hukama zvichibva pakuti madzibaba avo vamhu verudzi rwumwe.

Tsika yeMitupo[chinja | edit source]

  • Vamwe vanhu vari muZimbabwe vanotenda kuti vanhu vane mutupo wakafanana havafanirwe kuroorana.
  • Pakukwazisana vamwe vanhu vanodaidza mutupo wemunhu ari kukwaziswa.
  • Vana vanotora mutupo wababa wavo.
  • Mitupo mizhinji ine zvidawo zvinotsauranisa mapoka evanhu vane mutupo mumwe.
  • Mutupo mumwe unogona kuwanikwa kumarudzi akatsaukana sokuti: Korekore, Tonga, Zezuru, Karanga, Venda, Ndau, Manyika, Ndebele zvichingodaro.

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

  • Kutupira kana kutupitira (1. Walk very far; 2. Fly very high). Zvichida izwi iri rinotodzana nerekuti mutupo?? Apa mutupo riri zita rakabva kure richitevedza dungwe redzinza.
  • Kutsura (to release from food taboos connected to mutupo) zvichireva kusungunurwa kubva pamutemo unodzivisa kudya mutupo.