Mutupo

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKutsura)

Mutupo imhuka, nhengo yemuviri kana chinhu chinomiririra mhuri kana dzinza. Mutupo chinhu chaunoyera. Vamwe vanoera moyo, tsoko, shumba, shava, nzou, gumbo, ngara nemimwewo mitupo. Mitupo ine zvidawo zvakasiyana siyana sokuti vaera nzou vanonzi ana mhukahuru vanoera mbizi vachinziwo manjenjenje

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kutupira kana kutupitira (1. Walk very far; 2. Fly very high). Zvichida izwi iri rinotodzana nerekuti mutupo?? Apa mutupo riri zita rakabva kure richitevedza dungwe redzinza.
  • Kutsura (to release from food taboos connected to mutupo) zvichireva kusungunurwa kubva pamutemo unodzivisa kudya mutupo.Zvekusadya mitupo zvaiitirwa kuti mhuka dzichengetedzeke ;sokuti kana uchiera mhembwe haufaniri kuidya

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaYao vanoti tupa (to be many) kureva kuwanda. VaNyoro vanoti muziro (an animal or thing respected by members of a family which may not be eaten, totem) kureva mutupo.
  • VaBemba neVaLenje vanoti mukowa (clan, family; totem) vachireva mutupo. Baila vanoti mukoa (clan, totem, tribe) vachireva vanhu vane dzinza rimwe.
  • VaChewa vanoti chibongo (clan name such as Phiri, Banda, Mbewe,Sakala (or) totem). MaZulu vanoti isibongo.
  • VaLungu vanoti mutupu (only) kureva chete. Soluti umulimi mutupu (only the farmer). Borna vanoti t'úúp'a (n. starting point, origin of).
  • Baila vanoti chelelo (duty, obligation). Mazwi Anotodzana: kuela (something that is fit or ought to be done). Waalii vanoti yaabaa (n. totem) - fananidzai nechivabwa?

Zvinyorwa zvine Ukama[chinjirudza | chinjirudza mabviro]