Munene sezita

Kubva Wikipedia

Munene izita rinowanikwa muZimbabwe, Zambia, DRC neKenya.

  • Vanhu vane zita iri: Munashe Munene; Mungai Munene; Viness Munene; Nancy Munene.
  • Chitumbuzenene (big tummy) zvinoreva dumbu rakakura. Zvichida tingati chitumbuchinene tichitevedza mitauro yeBantu yakanyorwa pasi iyo.
  • Munene izita renzira iri kuMabvuku.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Pane tarisiro yekuti mitauro yeAfrika inotodzana mazwi.

  • Herero inoti omunenenene (first; chief one) kureva wokutanga kana samukuru. Mamwe Mazwi: otyinene (in the first place; chiefly) kureva wokutanga kana chikuru chazvo.
  • Herero vanoti omunene (elder; great one; one to be respected). Mamwe Mazwi: tyinene (extremely; greatly; very much).
  • Tsonga vanoti munene (someone great). Kikuyu inoti munene (n. monarch; magnate).
  • Lenje inoti wunene (big, great) vachireva hukuru.Lenje vanoti muntu munene kureva munhu muhombe.
  • Umbundu vanoti nene (large). VaNgala vanoti monene (large).
  • MaZulu vanoti nene (affable, good-natured, friendly, easy to talk to) kureva munhu anosvikika. Mamwe Mazwi: ubunene (affability) kureva kusvikika.