Svetuka kuchirochemo

Enzanhara

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMuchechebande)

Pachinyorwa chino izwi rokuti enzanhara riri kuturikira chinonzi isotope kuEnglish. Maenzanhara inhanngande dzine nhamba yemhodzigetsi yakaenzana asi dzine nhamba yehuremu yakasiyana zvichibva pakusiyana kwenhamba yema neutron. Sokuti carbon-12 neCarbon-14 inhangande dzine mhodzigetsi 6; asi dzinozosiyana pakuti Carbon-14 ine ma neutron 8, Carbon-12 yoita ma neutron 6. Maenzanhara anowanikwa munhara imwechete paPeriodic Table.

Izwi reEnglish rokuti isotope rakaumbwa nezvikamu zvviri zvinoti iso (equal, same) kureva zvakaenzana - chikamu chepiri chinoti tope (place) chinoreva nzvimbo - apa zvichirevera mipanda yepa Periodic Table.

Izwi rokuti enzanhara riri kududza kuti nhangande mbiri dziri kurehwa dzinowanikwa munhara imwe paChapotera cheNhangande. Maenzanhara akaenzana panhamba yeAtomu, asi nhamba dzehuremu dzinosiyana. Yureniyamu ine maenzanhara anoranzukira, zvimwechete neSizinyamu inodarowo.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • Kimbundu vanoti mutala (n. face; on the top; stature, at the top, height) kureva kumeso kana pamusoro.
  • VaRwanda vanoti intare (region, area) kureva dunhu. VaGwere vanoti mutala (n. locality; local area) vachireva nharaunda.
  • VaChewa vanoti enza kana eza (measure, survey; compare), kureva kupima. Saka zvakaenzana zvinopimirana.
  • VaChewa vanoti linganika (to be equal), kureva kuenzana. VaChewa vanoti linganiza (to make the same; to be equal; to make smooth; level), kureva kuenzana.