Mitemo yaNewton paMuhambo

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo fundoyetsimba, Mitemo yaNewton paMuhambo inotsanangura hukama huripo pakati pefosi dziri kubata mutumbi nekuhamba (motion) kwemutumbi kunokonzerwa nefosi idzi. Kwemazana emakore hukama uhwu hwakataurwa nenzira dzakasiyana-siyana; Isaac Newton akazonyora mitemo yemuhambo yaNewton inotaura sezvizvi:

  • Mutemo wekutanga: Pachinge pasina fosi yekunze inotsimbira, mitumbi yose inoramba iri pakuzorora, kana pamuhambo usingashanduke unotevedza gwara rakatwasuka. Izvi zvinoreva kuti mutumbi wakazorora unoramba wakazorora kusvika watekenyewa nefosi rokunze risina rimwe fosi rinorigadadza. Zvakare mutumbi uri kuhamba unoramba uri kuhamba nespidhi imwechete uye rudzivo rusingachinje kusvika apo unotekenyewa nefosi rokunze risina rimwe fosi rinorigadadza. Uyu mutemo unotaura pamusoro pechinepfu.

Mutemo wechitatu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Izvi zvinoreva kuti kana mitumbi miviri ichisundana kana kudhonzana, fosi inopinga yakaenzana nefosi inopingura asi fosi idzi dzichinongedza mativi akapesana.

Mitemo iyi yakadhindwa mubhuku rakabuda mugore 1687.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Fosi inopinga ndiyo inonzi acting force kuEnglish kureva racho fosi ratanga kusunda kana kuzvuva.
  • Fosi inopingura ndiyo inonzi reactive force kuEnglish kureva fosi rinopikisana nefosi ratanga kumutsa rinosunda kana kuzvuva.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]