Mazino

Kubva Wikipedia
Mazino
Zino rekumatadza.

Mazino (teeth) ndidzo nhengo chena dzinomera mukanwa memunhu idzo anoshandisa kutsenga nadzo. Munhu anozvarwa asina mazino achizotanga kumera pahucheche. Mazino ekutanga anodonha kuchimera mamwe epiri ekuti munhu unochembera nawo. Nyama yakakomberedza mazino inonzi matadza (gums).

Kana pari pamunhu mazino marefu akapinza anenge embwa anonzi madungambwa (canine teeth).

  • Dzeyo, zeyo kana madzeyo (back tooth or molar) apa kureva mazino ekumashure anoshandiswa kutsenga.
  • Mbangu kana mbangura (Large tooth. 2. Tusk of wild pig), semuenzaniso, Mazimbangu ake maviri anotisetsa: his two huge teeth make us laugh.
  • Kutsenga kana kutafuna (to chew; masticate).
  • Kubarika meno (sprout teeth) zvichireva kumera kwemazino.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Gwanza rinosara kana zino rabviswa kana kudonha rinonzi vende.

Dentist anonzi chiremba wemazino muChiShona. Kunoitawo umwe chiremba anobata basa rekurungamisa mazino kuti ave akamira zvakarungama asina kutsveyama kana kuchanjamara; uyu chiremba tichamuti murungamisi wemazino (orthodontists).

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mwana ari kubara meno. The child is teething.
  • Mwana abarika here? Has the child had it's first teeth?
  • Zino radusika. The tooth came out.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaZigula vanoti zino kana meno (tooth, teeth). VaTonga vanoti dino kana meno kureva zino kana meno.
  • VaGiryama vanoti kumera meno (teething) kureva kumera meno. VaRundi vanoti mutsitsa (wisdom tooth).
  • VaVenda vanoti dungammbwa (n. canine tooth). Mamwe mazwi: dzembe (n. incisor tooth). Sangho vanoti pembe (tooth) kureva zino.
  • VaYao vanoti kuwanga (to file a notch in the teeth) vachireva kucheka gwanza pamazino. Baila vanoti lushinga (a tooth ache) kureva kubanda kwezino.
  • Kinande vanoti omutala (n. mouth defect where upper lip cannot cover the incisors). Mamwe mazwi: omundu w'emitala (n. a person with the disability of the mouth).