Dehwe

From Wikipedia
(Redirected from Matoo)
Jump to navigation Jump to search
Leather.jpg

Dehwe (raw hide) zvinoreva ganda remhuka zvikurusei mhuka huru dzinowanikwa pamusha uye musango. Matehwe emhuka anoshandiswa kugadzira zvipfeko zvinoti: shangu; bhutsu; mabheki; mabhachi; zvigaro nezvimwewo zvinhu.

Dehwe rakanhadzirwa kuti richishanda kuruka mbatya kana shangu rinonzi chikumba.

Gwivi (1.Tough, hairless hide. 2. Animal with such a hide e.g. elephant). Rega kuvata mubvumburukatu, muviri wako unozova gwivi: do not sleep on a dusty floor, your body will become with a hide like an elephant's.

Doo, dovo kana matovo (treated skin or hide of an animal). Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatoo.

Gukuta kana bapata (dry skin).

Tsumo[chinja | edit source]

  • Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatovo.
  • Kwava kusakara kwedoo kuita serisakambodyiwa nyama.It is the wear and tear of a hide that makes it (appear) as if it had never encased meat.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Mambo Mwari wakaitira Adhamu nomukadzi wake mabhachi ematoo, akavafukidza: Also for Adam and his wife the Lord God made tunics of skin, and clothed them. (Genesis 3:21 Bhaibheri reChiNdau)

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • MaZulu vanoti isikhumba (n.hide, skin, pelt; leather) kureva dehwe. Muenzaniso: isikhumba sengwe (a leopard's skin).
  • VaBemba vanoti mukupo (n.hide, skin) kureva dehwe. Ko Chikupo?
  • VaKikuyu vanoti njowa kana rowa (n.hide) kureva dehwe.