Bhutsu

Kubva Wikipedia

Bhutsu (boots) zvinoreva shangu yakagadzirwa iine chipika nemativi anovhara chikamu chezasi chemupimbira. Mukutaura kwemazuva ose tinofananidza shangu nebhutsu asi zvipfeko izvi zviviri zvakasiyana sokutaurwa kwaitwa pamusoro.

Bhutsu dzinonyanya kupfekwa muhushangazhi kuchengetedza makumbo nezvigunwe kuti zvisakuvadzwa nesimbi dzingadonha. Dzimwe mhando dzebhutsu dzinogadzirwa dziine simbi kumberi kudzivirira kukuvara kwezvigunwe.