Dehwe

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuDovo (dehwe))

Dehwe (kureva raw hide) kana debge zvinoreva ganda remhuka zvikurusei mhuka huru dzinowanikwa pamusha uye musango. Matehwe emhuka anoshandiswa kugadzira zvipfeko zvinoti: shangu; bhutsu; mabheki; mabhachi; zvigaro nezvimwewo zvinhu.

Dehwe rakanhadzirwa kuti richishanda kuruka mbatya kana shangu rinonzi chikumba.

Gwivi (1.Tough, hairless hide. 2. Animal with such a hide e.g. elephant). Rega kuvata mubvumburukatu, muviri wako unozova gwivi: do not sleep on a dusty floor, your body will become with a hide like an elephant's.

Doo, dovo kana matovo (treated skin or hide of an animal). Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatoo.

Gukuta kana bapata (dry skin).

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatovo.
  • Kwava kusakara kwedoo kuita serisakambodyiwa nyama.It is the wear and tear of a hide that makes it (appear) as if it had never encased meat.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mambo Mwari wakaitira Adhamu nomukadzi wake mabhachi ematoo, akavafukidza: Also for Adam and his wife the Lord God made tunics of skin, and clothed them. (Genesis 3:21 Bhaibheri reChiNdau)

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti isikhumba (n.hide, skin, pelt; leather) kureva dehwe. Muenzaniso: isikhumba sengwe (a leopard's skin).
  • VaBemba vanoti mukupo (n.hide, skin) kureva dehwe. Ko Chikupo? VaFwe vanoti ku-suka (n. to soften a skin).
  • VaKikuyu vanoti njowa kana rowa (n.hide) kureva dehwe. Xilenge vanoti dovo kana cidovo (n. leather) kureva dovo.
  • Herero vanoti omukova (n. skin, hide) kureva dehwe. Mamwe mazwi: tandaura omukova (stretch the skin).