Masanganzira

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search
Masanga emugwagwa mudhorobha.
KuNorway, pamadirano a rwizi Glomma nerwizi Vorma.

Masanga kana masanganzira anorevawo zvakare panosangana nzizi kana nzira. Kana dziri nziri anonzi madirano kana mawiro. Sokuti rwizi Mazowe rwune madirano narwizi Zambezi munyika yeMozambique.

Panopararana nzira ichiita nzira mbiri dzinoita Y panonzi pane mhaswa kana kuti pamhararano. Asi vamwe vatauri kune mamwe matunhu vanodana masanga kuti mhararano kana majika.


Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

Tsumo[chinja | edit source]

  • Mharadzano dzakabva munzira. Side paths branched off from the main path.
  • Mhararano dzakabva mugwanza. Side paths branched off from the main path.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • Mururimi rweLuganda vanoti masangaanzira (intersection, junction) kureva masanganzira.
  • VaWanga vanoti amasanganjira (crossroads; junction; meeting of several paths, usually close to the gateway of a village, or where a path leads off to a village) vachireva masanganzira.
  • VaGwere vanoti mansanganzira (cross roads) vachireva masanganzira.