Marondera

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Marondera kaguta kari makiromita anoita makumi matanhatu nechekumabvazuva kweguta guru reHarare makananga munzira inoenda kuguta reMutare. Marondera ndiro guta guru redunhu reMashonaland East. Vagari venzvimbo iyi vazhinji maZezuru. Iri guta rine zvikwata zvakawanda zvevabvakure. Kunoti varungu vanowanzowanika mumapurazi. Kwozotiwo vaMalawi. Zvidza zvegutu iri zveChiZezuru. Marondera inzvimbo ine dzimba huru dzakawanda dzakaipoteredza Svosve, Nysahanu, Chikwaka zvingodaro. Nzimbo dzinogara vanhu kunoti musha weDombotombo, Rujeko, Yellow City, Nyameni, Cherutombo, Rusike, Paradise Park neWeston Part. Zvinamati zvinowanikwa muguta iri kunotiMaKristu akare VaRoma, Ngirandi, Hwisiri nedzimwewo kwozotiwo maKristu emweya veZaoga, Family of God. Kunewo vavhangeri veChurch of Christ neBaptist zvichingodarowo. Kune vateveri vaMahamadhiwo(Muslims) vanova ivo vazhinji veChiMalawi neveChiIndia. Kunowanikwao Vapositori vakawanda. Nzvimbo yeMarondera ine zvikoro zvakawanda zvakanaka zvine dzidzo yepamusoro-soro, zvakaita sePeterhouse nechikoro cheWaddilove chinova icho kudhuze neguta iri.

Guta iri rakatanga kutungamirwa naMeya wechitema aiva Innocent Mutsanziri Shonhiwa kubva muna 1982 kusvikira 1987. Ndiye akava mutungamiri weChivanhu wekutanga kubva muHondo yeChimurenga yeChipiri. Innocent anga akaberekwa namai vake Ottillia Ziteya aiva mwana wa Leonard Takaendesa Maresva. Innocent wakanga aine mukoma mumwe aitwa Basil Siliva Takaendesa nehanzvadzi imwe mumba maMai vake aiitwa iye Juliet Pelagia Muzerengi. Baba VaInnocent vaiva vekwaZiteya. Innocent waiva nenzvadzi nemunin'ina mumba maBaba vake.Innocent wakazoteverwa naMeya Chiboth Dakura Mukange aiva mudzidzisi muiri guta. Vagari veMarondera vanowana mvura yekumwa kubva mumadhamu maviri anoitwa Nyambuya neRufaro. Nyambuya idhamu riri mutrwizi runoitwa Nyakmbiri. MuMarondera munowakiwa nzvimbo dzakakosha dzinoratidza zvinyoro zvechinyakare zvepamatombo mumapako ari paTapfuma School. Kunewo Imire GamePark inowanikwapedyo neiri guta ine mhuka dzesango dzemhando dzakawanda.

Marondera inzvimbo ine mapani akwanda naizvozvo munguva dzechando kunotonhora zvakanyanya. Mvura inowanzo nayawo zvikuru munguva yezhizha. Iri guta riri kukura zvikuru nevanhu vanofarira kuvakiramo vachishanda kuHarare nekuti mutengo wedzimba wakatidererei zvichienzaniswa neHarare.

Tsika[chinja | edit source]