Tsaona

Kubva Wikipedia

Tsaona (accident or incident) zvinoreva chiitiko chinoonekwa kana njodzi yasanangana nemunhu, muchina, zvivakwa kana nzvimbo dzakakomberedza. Sokuti mumhu akadhumiwa nebhazi inenge iri tsaona. Tsaona chinhu chisangadiwe chinoitika chisiri kutarisirwa.

Njodzi yokuti munhu anokwanisa kurohwa nebhazi achifamba pamugwagwa iripo nguva dzose asi njodzi haisiri iyo tsaona. Vanoongorora zvenjodzi netsaona vanoti tsaona zhinji dzinokwanisa kudzivirirwa.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Tumbuka inoti ngozi (accident) kureva tsaona. Lugungu inoti butandwa (accident) kureva tsaona.
  • MaZulu vanoti pewu (ideo. of capsizing, overturning) inyaudzosingwi inodudza kubheuka.
  • Zulu inoti pewuka (v. Capsize, turn over, fall over) kureva kubhewuka. Mamwe mazwi: pewula (v.tr. Capsize, overturn; push over) kureva kubhewura.
  • Chewa inoti ngozi (accident) kureva tsaona. Sesotho inoti kotsi (accident) kureva tsaona.