Mwero wekupa

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKupavhurira)

Chinyorwa chino chiri kuunganidza mashoko anotaura mwero wekupa.

  • Rupo (generosity, free giving, open-handedness).
  • Kupavhurira kana kukomborera (give liberally, generous) zvinotaura kupa zvakawanda uye wakasununguka pakupa kwacho.
  • Kuchokomora, kufokomora, kufoshora, kufunda kana kufundura (give liberally, generous). Zvichida ndipo panobva mazita okuti: Fundira naMufunda?
  • Kuwedzera kana kupamhidza kureva kupa pamusoro pezvambopiwa pakutanga.
  • Kuponya kureva kupa zviri pasi pemwero wakafanira kupiwa - give less than is due.
  • Kukonyodza kana kukonorera (give reluctantly) zvinoreva kupa munhu usingadi uchiita sewamanikidzwa kupa kwacho. Wacho munhu apiwa nenzira iyi anonzi akonorerwa kana kupiwa zvokukonorerwa.
  • Kunyima zvinoreva moyo wokusada kupa, uchibva warega kupa kwacho.
  • Kutsotsera kupa zvishomane seuwo anopa fodya yechimonera inonokorerwa muchanza neminwe.
  • Handwa kureva chipo. (1. Free gift; 2. Grateful rdurn of something borrowed). Akamunzwira tsitsi nokumupa handwa: he took pity on him and gave him a present.
  • kombora (Be liberal or generous, Nhasi Denga rakombora ndichinonga mhimha yakarumwa nengwe mubani: God was good to us today, in the vlei I found a reedbuck that had fallen prey to a leopard.
  • Kutsinza (to give something; to put something into the hand) zvinoreva kupa chinhu muruwoko.

Zvirevo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kupa huvigisa. To give is to bank.
  • Kupa kuturika. To give is to hang (something) up.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti phiwa (be given, be presented) vachireva kupiwa. Mamwe mazwi: umphiwa (recipient of a gift).
  • VaYao vanoti kusowela (to be liberal-hearted) kureva munhu akasununguka?. VaLenje vanoti lupo (free giving, liberalty) vachireva rupo.
  • VaTonga vanoti kupa (v. give). VaTonga vanoti kupilusya (v. give back; cause to return) kreva kudzorera chawapiwa.
  • Zigula inoti kututaukiza (give a lot; give too much) kureva kututukidza. Zigula inoti kunyima (denying; withholding; deprive; deny) kureva kunyima.
  • Uyo Ibibio inoti nyim (v. refuse, hold back something when one has it to give) kureva kunyima.