Kuturika

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti kuturika (to hang, suspend) rinoreva kutsveta chinhu panzvimbo yokuti chinenge chakarembera padenga pangava pamuti, pachipikiri chiri kumadziro, pamutariro, kana papi pamwe pachingarembedzwa. Shoko rokuti kuturika rinoshanidswawo kutaura chiitiko chekugadza marata kana huswa panhungo nembariro panopfirirwa denga remba.

  • Kuturuka (to come out, come down, dismount).
  • Kutura (to put down load, perch).
  • Kukorekedza (to hang up on a hook; hook up) zvichireva kukochekera pachikochechero chiri padenga.
  • Kukorekera (be and remain hanging or suspended) zvichireva kurembera pachikochechero chiri padenga.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kupa kuturika. Apa kureva kuti kana wapa mumwe musi uchapihwawo.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kikongo vanoti kutula (to untie). Mamwe mazwi: kutuluka (to come loose, get free, come undone, untied).
  • Kikongo vanoti kutulula (to untie, undo, unfasten, liberate, loose, free, release, extricate).
  • Bavili vanoti tulikë (v. to be constructed). Mamwe mazwi: tululë (v. to destroy).