Kukomberedza

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Kukomberedza kana kupoteredza (to surround, encompass) zvinotaurwa kana chinhu chakapoteredzwa nezvimwe kumativi ose. Sokuti musha unokwanisa kunge wakakomberedzwa neruzhowa kana mupanda. Shoko iri rinokwanisa kuzoshandiswa kuturikira shoko rokuti ambient kuEnglish rinoreva zvakakomberedza.

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

  • Kukomba, kukombera, kupoteredza, kucheketera kana kuchekeredza (surround).
  • Kukomberera iri shoko rinotaura kufamba nenzira yekupoterera chinhu chiri kurehwa.
  • Kukombwa, kukombera (beseige)
  • Kukuta (surround) zvichireva kukomberedza kana kuita gute. Ndakaona baba vakakutwa navana vavo: I saw the father surrounded by his children.
  • Gute (Act of surrounding, encircling) - apa kureva kukomberedza chinhu kana munhu.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Vanhu vainge vakaita gute vachionekana naye: the people crowded round him to say farewell.

Nyaudzosingwi[chinja | edit source]

  • kokwe (ideo of 1. Surrounding or being surrounded, 2. of co-operating).
  • Vakomana vakati sadza kokwe: the boys sat round the food.
  • Vakamuti kokwe: they ganged up on him.
  • Vakati kokwe pabasa: they helped together at the work.
  • Kune dunhu reZimbabwe rinonzi Gokwe.

Mitauro yeChiBantu[chinja | edit source]

  • VaChewa vanoti kukutisa (trans. To enclose, to encircle, hem in).
  • Vatauri veChewa neSwahili vanoti mkutano (a meeting) kureva kukomberedza.
  • Vanotaura Kikongo vanoti kuta (v.t. to collect, gather together) vachireva kuungana.
  • Vanotaura Kikongo vanoti kuta (v.i. to assemble, gather together, collect together - of people only) vachireva kuungana.
  • Vanotaura Kikongo vanoti kutakana (v.t. to assemble together, to cluster) vachireva kuunganidza.
  • Vanotaura Kinyarwanda vanoti guterana (v.i. to come together; to gather together; to meet) vachireva kuungana kana kuuya panzvimbo imwe.
  • Vanotaura Kinyarwanda vanoti guteranya (v.t. to gather together) vachireva kuunganidza.
  • Mururimi rweIkizu vanoti -iruguutirirya (surround someone or something, encircle) kureva kukuta.