Svetuka kuchirochemo

Duramazwi reChikalanga repaWikipidhiya

Kubva Wikipedia

Peji rino ndere mashoko eChikalanga anogona kunge akashandiswa kuvamba mashoko matsva eChishona uye nekuzivisa Vashona mutauro weChikalanga uye kufanana kwawo neChikaranga.

B (kureva "V" weChishona)

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

B weChikalanga ndi V weChishona uye Bh weChikalanga ndi B weChishona.

  • Bunguka - kureva kuvunguka - kushanduka kwemuvara wechinhu kuita kakutsvukirira.
  • butha - kureva kuwusha - kuzorora kwemhuka
  • butuka - kugadzirisa kana kunatsiridza chinhu.
  • buya - kudzoka, kuhwirira
  • buya-moyo - kureva kusvotwa kana kunenga
  • buyilila - kuhwirira, kudzokordza
  • buza - kureva wuza
  • bufa - kureva rifa / ifa
  • chamba - kureva mudikanwi, kana paramour
  • chedza -
  • chefi - kureva chefu
  • dabga - mhando yeshiri, pamwe Chikaranga chinogona kunge chineshoko iri.
  • dhumila - kureva shumira - zvichireva kutenda Mwari
  • ezela - kureva kuvata
  • ezedza - kurarisa mwata
  • kudzimu - kureva denga, uzuru, nyikadzimu
  • khuwa (ikhuwa) - kureva Chingezi, pamwe kubva pashoko reChikaranga rekuti Mukiwa kureva murungu, saka vanoti mutauro wacho Chikiwa.
  • kotoshio - mhando ye zizi ridoko.
  • kula - kureva Mabargwe sepaChikaranga.
  • nasi - kureva nhasi
  • natsha - kureva nakisa, kunasa/kunasis
  • ndalo - bonde
  • Ng'ina - kureva
  • ng'wedzi kureva mwedzi, n'wedzi
  • palo = svomhu
  • pampiri - kureva zanhi
  • phou - kureva mhou
  • pkhanya - kureva pxanya
  • psayila - tsvaira
  • sasi - sasi
  • seba - kureva seva
  • shaba - kureva shava
  • shanga - tsanga/shanga
  • shinga - kureva ksuhanda
  • shoni - kureva tyoni/tloni, uye kureva zve ushoni (kunyara)
  • vakacha - kureva vhakacha
  • vu - kureva ivhu
  • wa - kureva kuwa, kudonga
  • xalasi - kureva girazi
  • xarawu - kureva foshoro, spades
  • xwabha - kurenya nyama yakaomeswa
  • yeela - kureva hesi
  • zana - kureva kudzana, kutamba
  • zanga -
  • zebe - kureva zhebe / nzeve
  • zhalima - kureva dima/rima
  • zhuba - kureva zuva
  • zwimba - kureva zvimba