Kamba

Kubva Wikipedia

Kamba (tortoise) imhuka yemusango inokambaira ine makwati akavhara muviri wayo. Kamba inokwanisa kudzosera musoro wayo, maoko nemakumbo kupinda mumakwati ayo. Kune kamba dzinogara pavhu koita kamba dzinogara mumvura. Kamba iri pamupanda wemhuka dzinokambaira.

  • Gwande (Shell of tortoise)
  • Mwana wekamba anonzi shasha.

Kuberekana[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kamba nzvari dzinochera gomba umo dzinokandira mazai angava rimwe kusvika kumakumi matatu (30). Mazai anokandirwa munguva dzemanheru kamba yobva yafushira mazai aya nejecha,dhaga nemashizha. Mazai aya anosiyiwa asina kurindirwa achizochechenya pamazuva 60-120 zvichienderana nerudzi rwekamba yacho.

Kana yasvika nguva yokuchechenya nhiyo inoboora zai ichishandisa zino rinenge rakura kachiri muzai iroro. Ipapo nhiyo iyi inochera ichibuda mugomba muya yotanga upenyu hwayo isina amai .

Kudya kwekamba[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kamba inodya huswa, sora, mashizha; nemichero yakasiyana-siyana. Mamwe marudzi ekamba anodya makonye netupembenene.

Zvirevo

  • Charova sei chando chakwidza hamba mumuti?
  • Chidamoyo hamba yakada makwati.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]