Chombo Chebasa
Mataridziko
Chombo Chebasa (tool, instrument) zvinoreva combo chinoshandiswa mukuita basa. Mienzaniso inosanganisira badza, mbezo, pinjisi, demo, banga, tsono zvichingodaro.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaTonga vanoti ciombelo (n. a useful implement, instrument, tool) vachireva chombo chebasa.
- VaTonga vanoti cibelesyo (n. instrument, tool) vachireva chombo chebasa.
- VaBemba vanoti cibombelo (n. a useful implement, instrument, tool) vachireva chombo chebasa.
- VaLubwisi vanoti kikwato (n. tool, instrument) kureva chibatiso.
- Luganda vanoti ekyombo (n. Vessel).
Kuomba, Kushanda
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Izwi rokuti kuomba rinoreva kushanda kana richitaurwa kuChewa, Lungu neMambwe. Zvichida izwi rokuti chombo rakapfupiswa kubva pana chi-ombo - uye rinotodzana nokuti ku-omba?
- VaZigula vanoti chombo kana vyombo (n. tool) kureva chombo chebasa.
- VaChewa vanoti ku-omba (to fashion, to form, to manufacture) vachireva kuumba.
- VaLungu vanoti ukuoomba (to work) kureva kushanda. VaMaconde vanoti shombo (n. instrument).
- VaMambwe vanoti -omba kana -womba (to work) kureva kushanda.
- VaBemba vanoti cibombelo (n. impliment, tool) kureva chombo chebasa.