Banga

Kubva Wikipedia

Banga (Knife in English) mudziwo unoshandiswa kucheka zvinhu zvikurusei pakubata mabasa anoti: kubika, kuvhiya, kumenya zvichingodaro. Nhengo yebanga inocheka yakagadzirwa nesimbi yakapfekerwa pamubato. Mubato unokwanisa kunge wakagadzirwa nesimbi, plastic, muti kana chimwe chakasimba.

Nhengo yebanga ine panocheka (blade in English) inonzi chese. Zita iri rinoshandiswawo kutaura chisimbi chinotema chedemo, kana badza.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Harambi (Handle of sword or dagger). Bata harambi yebakatwa somurume: take a firm grip on the handle of your dagger
  • Gwese kana gweshe (blunt object especially a knife) apa kureva banga rakagomara. Banga rakagon'a kana chigon'a. Banga iri igweshe.
  • Kuvedzenga (v. To cut in strips; cut in slices).
  • Chidaduro (sharp knife) apa kureva banga rakapinza.
  • Kuvhiya kana kuvhuya (to skin, flay).
  • Dika kana dimbo (sharp pointed stick, 2. Sharp stake in game-pit) zvichireva chimuti chakapinza chine unzi. Kana zvawanda zvonzi matika.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Akumbira banga kuti azivikanwe kuti abaya.

Mazwi eBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]