Chipangura sezita

Kubva Wikipedia

Chipangura izita remhuri rinowanikwa muZimbabwe.

  • Kubangura (to rise - of the sun; the orient sun) apa zvichireva kubuda kwezuva.
  • Tarisai chinyorwa chinonzi kupangura kuti muone zvimwe zvinoreva izwi irori.
  • Mazita ari pedyo rinonzi Mupanguri; Kapangura.

Nhoroondo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kune mhuri inonzi Chipangura yakabva neMozambique ikambogara kwaMutasa kuManicaland. Mhuri yacho yakazogumira Masvingo province uko mazuvano inowanikwa ku Chirumhanzu neBikita.Chipangura zvinoreva munhu anoda zvekufamba kana kuti mufambi. Iko zvino Chipangura ndiye avakufanira kugara ushe hwaChirumhanzu Chipangura nyika.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mime mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya.

  • Herero inoti pangura kana okupangura (judge; condemn; adjudge - make a decision; adjudgement) apa kureva kushara zano.
  • Herero vanoti pangura (v.t. rank; sever; separate) apa kureva kuronga zvinhu nehukoshi kana hukuru.
  • Herero inoti pangura (divide; sever; separate; rend, part), kutsaura. Mamwe mazwi: pangura (separate the fighting people) kureva kurandutsira.
  • Kikongo inoti bangula (v. to take to pieces, pull down, destroy, demolish, lay open, make plain, clear, disclose, divulge as a secret).
  • VaRundi vanoti gupangura (to clear off - as table etc; to take down tent). VaNyole vanoti epangula (n. creeping vine species), igwenzi rinotandira.