Chidembo

Kubva Wikipedia

Chidembo (skunk or polecat in English) imhuka yemusango iri pamupanda wemhuka dzinoyamwisa. Chidembo chinozivikanwa nechivendera chine hwema hunonhuwa samare.

Chimiro cheChidembo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvidembo zvinokura kureba 40-90cm kubva kumusoro kusvika kubesu zvichiita huremu hunokwana 0.5-8.9kg. Zvidembo zvinosiyana siyana ruvara rweganda zvichienderana nerudzi rwechidembo chacho. MuZimbabwe munonyanya kuwanikwa zvidembo zvine ruvara rutema (black) neruchena (white); kunoitawo zvidembo zvine brown ne cream.

Kudya kweChidembo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chidembo chinodya mhuka zvose nemichero, chinodya zvakasiyana zvichienderana nokuti mwaka uri papi. Chidembo chinodya: madzvinyu; mbeva; matatya; nyoka; shiri; nhuta nemazai. Chinodyawo michero yemusango; hohwa; uswa; mashizha nemidzi.

Zvidembo zvinogona kuronda hwema nekunzwa zvakanyanya asi hazvinatsowona. Chidembo chinonetseka kuona zviri 3m kubva pachiri; izvi zvinokonzera kuti zvidembo zvive zvinorohwa zvakanyanya pamugwagwa. Zvidembo hazvirarame kwenguva yakareba; chikamu chinorarama makore anodarika matatu (3) chiri pasi pe 10%.

Kuberekana[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvidembo zvinotsvetsvana munguva yechirimo; mukono mumwe unokwanisa kutanda nekushumira nzvari dzakawanda. Nzvari yechidembo inotakura pamuviri kwemazuva 66 ichizvara vana 4-7. vana vechidembo vanozvarwa vasinganzvi uye vasingaone. Vanozotanga kuona mushure mevhiki nhatu. Vana vechidembo vanorumurwa vave nemwedzi miviri (2) yokuzvarwa, vochizogara namai vacho kana vave kutsvaka kuzvarawo. Chidembo chinotanga kubereka chave negore rimwe.

Kumwaya Zvinonhuhwa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chidembo chinozivikanwa kunyanya nenhau yokumwaya hwema hunonhuwa hunobva mutsatsadzi dziri kushure. Chidembo chinoshandisa mutuvi uyu unonhuwa senzira yokudzinga zvikara zvingada kuchidya. Chine tsatsadzi mbiri dzinomwaya munhuwi uyu; tsatsadzi idzi dziri kumativi maviri emukosho.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kune kutaura kunoti "Tivhiye chidembo" - zvichireva kuti ngatiitaurei nhau yacho yakarema kana inonyadzisa pakare pano.
  • Kuramba nyama yechidembo hunge uine yetsuro.
  • Chidembo hachinzwi kunhuhwa kwacho chomene.