Hunzwi
Munhu pamwe nemhuka akasikwa ane hunzwi (senses). Hunzwi hunorava, kusiyanisa nokufananidza, kusarudza, kuketa zvacho zviri kunzverwa.
Kune hunzwi hushanu hunonyanya kuzivikanwa hunoti: kuoona nemaziso; kunzwa nenzeve; kuraidza nerurimi; kunhuwidza nemhuno, uye kukwanisa kugunzva kunoti muviri wakabatana kana kugunzvana chimwe chinhu munhu anozviziva. Munhu achinge agunzvana nechimwe chinhu anokwanisa kuziva kuti chinhu chakapfava, chikukutu, chinopisa, chinotonhora
Hunzwi hwese uhwu hunoraviwa muhuropi munowongorora kuti zvabva kune dzimwe nhengo zvinorevei nokupa zano rokuti munhu angaita sei nezviri kurehwa nedzimwe nhengo dzine hunzveri.
[chinja] Tsika
Akaimba muimbi Thomas Mapfumo achitenda Mwari kuti vakatipa Pfungwa shanu - idzodzo pfungwa shanu dzakarehwa naThomas Mapfumo ndidzo dziri kunzi hunzwi muchinyorwa chino.
Muenzaniso wekutaura kunoitwa mazuva ose:
- Teerera unzwe kurira kuri kuita mvura.
- Nhuwidza unzwe mupunga uyu washisha.
- Bata padumbu unzwe mwana ari kukava.
- Raidza unzwe kunaka kunoita sadza remhunga.
- Tarira uone zviri pano.
Pakutaura kwemazuva ose panoshandiswa shoko rokuti kunzwa pane hunzwi huna kunze kwekuona nemaziso chete.
Humwe hunzwi honosanganisira: