Nzeve

Kubva Wikipedia

Nzeve (ku Chingezi: ear) zheve uye zhebe inhengo iri mumusoro wemunhu kana pane dzimwe mhuka inoita basa rekunzwa. Nzeve yakaumbwa nenzira yokuti igone kutapa masaisai ezvinorira. Vatauri veChimanyika vanoti itwi kureva nzeve; pahuwandu voti matwi.

Mukati menzeve munoita mafunzi anobudamo.

  • Chikamu chenzeve chinoonekwa kunze chinonzi chiteteko.
  • Munhu akaremara zvekusakwanisa kunzwa munzeve anonzi matsi kana burunzeve; munhu wacho ane umatsi.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvirevo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Akuruma nzeve ndewako.
  • Zvinozipa zvinotanga nzeve kudzivira. Sweet delicacies begin by blocking the ears.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Nyungwe inoti khutu kana makutu pakuwanda (ear) kureva nzeve. VaFwe vanoti kutwi (ear) kureva nzeve.
  • Kikuyu inoti gutu kana magutu pakuwanda (ear) kureva nzeve. Kinande vanoti okutu (n. the ear) kureva nzeve
  • Mambwe inoti -teya matwi (n. to give ear to, listen) kureva kuteya nzeve. BaRonga vanoti dleve (n. ear) vachireva nzeve.
  • Mambwe inoti umbulwa mano (lack of intelligence) - kusachenjera. Mbulwa (a person devoid of, short of something) munhu ane chimwe chaasina.
  • MaZulu vanoti uludlebe (n. An 'ear' for something, keen hearing). Nyaneka inoti kutu (n. ear) kureva nzeve.