Mwari

Kubva Wikipedia

Mwari izita rinoshandiswa kutaura uyo akasika nyika nezvose zviri mairi uye chadenga nezvose zviri muchadenga. Iye Mwari ndiye akasika zvose zvinoonekwa pamwe nezvisingaonekwe. Vanhu vazhinji vanotenda kuti kuna Mwari. Hakuna munhu akamboona Mwari saka hakuna anoziva kuti chimiro chake chakaita sei. Marongerwo nemaitirwo akafanirwa kuita hukama pakati paMwari nevanhu zvinotsanangurwa zvakanakisa pamitemo gumi yaMwari.

Kuna Mwari mumwechete, musiki wezvese zvakasikwa, wakarurama zvisina magumo, ane hupenyu husingaperi, achizviratidza muhutatu; Mwari Baba, Mwari Mwanakomana, neMweya Mutsvene.

Zvinotendwa ne Makristu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mwari mweya hakuna munhu akamboona chimiro chaMwari.
  • Mwari haana mavambo, Mwari haana magumo.
  • Jesu akazvarwa nemhandara yainzi Maria, uye Jesu mwana waMwari akazvarwa nesimba raMwari kwete remunhurume nemukadzi.
  • Jesu akafa akamuka nezuva retatu.
  • Jesu akakwira kudenga uko agere kurudyi kwechigaro choushe chaMwari.
  • Mwari vakatumira Mweya Mutsvene wavo kune vanotenda, kuti Mweya wavo udzidzise vanotenda Shoko ravo, nokuvarangaridza shoko ravo.

Mazita aMwari[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mwari vane mazita anosanganisira:

  • Musiki weDenga naPasi;
  • Mwari Samasimba;
  • Mwari weHondo;
  • Mwari Vanopa;
  • Mwari Vanorapa;
  • Wokutanga neWekupedzesera.
  • Mwari mupenyu.
  • Mwari Wenyasha
  • Musiki
  • Mwari Samasimba (God Almighty).

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kimbundu vanoti muari (n. boss, master, lord, sir, superior; elder; house owner, big, old) kureva tenzi. Fananidzai nokuti Mwari?
  • Kimbundu vanoti umuari (n. Custom of owner in relation to his servants - Lordship.) kureva Humwari.
  • MaZulu vanoti uSokulunga kana oSokulunga (The All-righteous one; Father of righteousness.) kureva Mutsvene-tsvene.
  • MaZulu vanoti uSomandla kana oSomandla (The Almighty; all-powerful one) kureva Samasimba.

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]