Kupanga Mazano

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuZviringani)

Kupanga mazano (to advise; to make a plan) zvinoreva kubatsira nemazano kuti zviri kukurukurwa zvijeke apa mazano achipangwa nechinangwa chokuti zvirongwa zvitwe nenzira yakanaka - zvitwe nemazvo.

Munhu anopanga mazano anonzi chipanga mazano kana mupangi. Pahuwandu vanonzi ana chipanga mazano kana vapangi.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chiri mumusakasaka chinozvinzwira. (People take advice that pertains to their individual needs in group settings).
  • Mazano marairanwa zanondoga akasiya gumbeze mumasese. Advice must be mutual; Mr. Know-all burnt the blanket at a beer party.
  • Mano marayiranwa zanondoga wakapisa jira mumasese. Advice must be mutual; Mr. Know-all burnt the blanket at the beer party.
  • Zano vaviri zanondoga akatsvira mudumba.
  • Kushaya mano kwomusikana kukungira sadza chibhakira. It is unwise for a 'girl to threaten to fight sadza with her fist.
  • Kuzengurira izwi romukuru kuramba mhangwa. To shun an elder's word is to refuse advice.
  • Rambakudzihwa akazoonekwa neropa kudonha. One who refused advice was (later) seen bleeding.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaChewa, VaYao VaGanda neVaLenje vanoti kupanga (build; to make do; fabricate, create, to devise, to set up; to pile; to assemble) kureva kuvaka kana kuwumba.
  • VaGwere vanoti kupanga (v. arrange, organise, align, queue or line up; put such that in a certain order or arrangement).
  • VaYao vanoti upanganye (method of doing a thing). Banyambo vanoti emipango (n. Plans).
  • Herero vanoti panga (make, used of constructive work, construct, put together, build, contrive, Join, fix, stick, fasten together).
  • VaZigula neVaDigo vanoti kupanga (v. divide; distribute; separate; arrange in order; plan; planning).
  • VaDigo vanoti mpango (a plan, arrangement). VaBukusu vanoti kúmúpáango (n. plan, intent).
  • VaSwahili vanoti panga (1. put in order, line up, set up, arrange; 2. fig., liter.: compose, write (a book, poem). 3. form, conclude. 3. classify, organize).
  • VaChewa vanoti kupanga njeru (to take counsel, tot make up one's mind). VaLenje vanoti mano (sense, intelligence, reason, wisdom, cleverness, knowledge).
  • Lubwisi vanoti kupanga (v. arrange in categories or in order).