Zerere
Zerere kana rumbihli (nge. green), ruvara rwokutanga, uye huri pakati peungu nehuroro pane nangazira inovonekwa. Zerere ndeumwe muvara wokutanga pamwechete ne mutsvuku ne muungu, unowedzerwa pakusanganisa kuti mamwe mavara agadzirwe. Nezvakakurakwazvo, ruvara rwe zerere runowanikwa muzvisikwa senge chimbishidza[C 1], nechemushonga inoshandiswa nemadzinde pachirukanerujeko ne kushandura chiedza chezuva kuita simba rechemushonga. Zvisikwa zvakawanda zvino shanduka kutora karuvara kezerere kenharaunda sokuita chihwandekumhene[C 2]. Michegwa yakawanda ine ruvara rwezerere, kusanganisira iyo murawudhi[C 3], inopihwa ruvara rwayo nechemo[C 4] chezerere nerhangi[C 5] rainaro.
Mune wongororo dzakaitwa muAmerika, Yuropu, uye nyika dzeUyisalama, zerere ndiro ruvara runowanzo batanidzwa nehunhu, hupenyu, hutano, uhwana, chitubu, tariro, negodo.[1] MuMubatanidzwa we Yuropu ne Amerika, zerere zvakare dzimwe nguva inosanganisirwa nehuturu uye hutano husina kunaka,[2] asi kuChayina nenzvimbo zhinji dze Ezhiya, masangano ayo akanaka kwazvo, sechiratidzo chekubereka uye mufaro.[1] Nekuda kwekudyidzana kwaro nemasikirwo, ihwo ruvara rwekufamba kwezvakatipoteredza. Mapato ezvematongerwo enyika anotsigira kuchengetedzwa kwezvakatipoteredza uye hutongi hwemagariro vanozvitsanangura pachavo sechikamu chezerere kufamba, vamwe vachizviti mapato ezerere.
Zita
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Kutsika ye Chivanhu zita rokuti zerere rakabva pamamvere anowanikwa pamatombo emvura, uye nomusaka wekuzara weruvara urwu zvose nechiro charakatumidzwa zita chichitodza.
Zvinhu zvine ruvara rwezerere zvizere pasirose, zvichisanganisa mashizha emiti ne sora, ruzhinji rwemadzinde ose epanopasi anowanikwa aine ruvara rwezere.
Rimwe zita rinoshandiswa kudana ruvara urwu, nderwokuti「rumbihli」 kana「rumbishi」 zvichienderana nemutauri. Mavambo ezita iri anotodza ruvara rwemichero kana ichirimbishi, senge ndimu dzinowanikwa dziri zerere dzinozoshanduka kuvahuroro kana dzaibva.
Mavara mazerere
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mhando dzeruvara rwe zerere dzinogona kusiyana mumarhangi ehyuu (hue chroma) zvichireva masimbiro kana kuzara kwe chiedza zve, kana kupenya kwe zvinhu zviviri kana zvitatu.
Ruvara | Enzano | Khodhi | Chingezi[3] | Vambo rezita |
---|---|---|---|---|
Zerere | #008000 | Green | ||
Emurodhi | #00573D | Emerald green | ||
#00A86B | Jade green | yu [chichayina] ok, bichwi [korean], gyoku; hisui [chijapani][4] | ||
Puwa | #DFFF00 | Chartreuse | ||
Orivhi | #98BF64 | Olive green | ||
Pfumvudza | #4F7942 | fern/muddy-green | ||
seji | #B2AC88 | sage green | ||
zererena | #90EE90 | light green |
Mhando dzeruvara rwezerere.
-
Mavara ezerere
-
Mavara ezerere
-
Mavara eyeruva
-
Mashizha eruvara rweyedenga
-
Miti dzezerere
Zvinhu zve Zerere
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Zvichero
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]-
Mazambiringa kana tsambatsi zerere
-
Maapuro mazerere
-
Mukati mema kiwi ndeezerere
-
Ma Péé kana Peya ezerere
-
Avho
Mavheji
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]-
Magaka ezerere
-
Mavheji
-
mavheji zvekare
-
mhiripiri yebhero yeruvara zerere
-
bhinzi dzakachekwa
-
maorivhi
-
Derere
-
Muboora
-
Makabichi ezerere yakapfava
-
Kabichi
-
Hanyanisi zerere
Maruva
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]-
Zuva zerere
-
Mukakabundo (milkweed)
-
Zuva zerere
-
Rimwe ruva rezerere
-
Rimwe ruva
Mhuka
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]-
Datya rezerere
-
Svosve rine mavara ezerere
-
Nyoka yezerere
-
Shiri yezerere
Mitauro ye Chibanthu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- MuChitsonga vanoti Ruhlaza vachireva Zerere.
- MuChiswahili vanoti Kinjani vachireva iyo Zerere
- Chixhosa neChizulu Zerere ndi Luhlala
- MuChivhenda mudala zvinoreva kuti Zerere.[5]
Chirevo:
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- ↑ chlorophyll., kutodza 「rumbishi」rimwe zita rokuti zerere; chiro chimbishi chiro chinemuvara wezerere mumashure mekuibva.
- ↑ camouflage., kuChishona chamazuva ose tingati 「chihwandekumhene」 uye tichitodza Chindau tingati 「Chafihlakumhene, chafishakumhene 」. Mashoko aya avambwa achitodza chirevo cheshoko ririkuturikirwa ndikokusanganiswa kwemashoko okuti 'kuviga, kufisha, kuhwanda' ne 'mhene, jeka, vheneka'.
- ↑ emerald.,
- ↑ content., kureva 「chirochemo 」 kana 「chimo, chemo」 pakupfupisa.
- ↑ chromium., chroma...,
Mabviro eruzivo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- ↑ 1.0 1.1 Heller 2009, pp. 87–104.
- ↑ Heller 2009, pp. 96-97.
- ↑ enwiki: Shades of green
- ↑ enwiki: Jade
- ↑ smlwardafterall, 'Mavara eChivhenda' Intro to Tshivenda. Yakatariswa: 19 Chikumi 2021