Rwizi Munyati
Rwizi Munyati rwizi rwuri muZimbabwe; chimwe chikamu charwo chinonzi Rwizi Sanyati. Rwizi urwu runobva kuProvince yeMashonaland East rwuri kuMaodzanyemba kweguta reChivhu pane nhambwe inosvika 100km kubva kuHarare.
Rwizi urwu runoyerera rwakananga kuMaodzanyemba kwakadziva kuMadokero uye runotara muganhu wekuChamhembe kweMashonaland West. Munyati anoonekwa pamugwagwa unobva Kwekwe-eKadoma uye pamugwagwa weKadoma-Zhombe. Munyati ndiye anopa mvura inoshandiswa neMunyati Power Station. Rwizi Mupfure runodira muna Munyati; kubva pamadirano rwizi runenge rwonzi Sanyati.
Rwizi Sanyati runonodira muna rwizi Zambezi apo pananenge pafambwa nhambwe inokwana 500km kubva panotangira Munyati.
Mitauro yeBantu[chinja | edit source]
- Vatauri veChiTonga vanoti munyati (Buffalo) vachireva nyati.
- Baila vanoti munyati (Buffalo) vachireva nyati.
Rwizi dzeAfrica |
Rwizi Manyame | Rwizi Mazowe | Rwizi Munyati | Rwizi Nile | Rwizi Pungwe | Rwizi Save | Rwizi Zambezi |