Rukangarahwe
Mataridziko
Rukangarahwe kana tsangarahwe (shallow gravely soil with perfect drainage).
Nhoroondo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Munhoroondo yeZimbabwe, vanhu vatema vakabviswa kumaruwa aiva nevhu rakaworera, vakagariswa kurukangarahwe. Izvi zvairwadza zvikuru pakuti nyika yakanga vapambwa, apa ivhu rine huchi nemukaka wenyika richirimirwa vapambevhu.
Mitauro yeAfrika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mandinka vanoti kaη (on; on top) kureva pamusoro. Kimbundu inoti kanga (n. surface; face; area) kureva pamusoro pechinhu.
- VaIkizu vanoti ichangarabhwe (fine gravel) kureva rukangarahwe. VaGiryama vanoti ts'angalawe (n. gravel) kureva rukangarahwe.
- VaBemba vanoti nsakalabwe (gravel) kureva rukangarahwe. VaSwahili vanoti ihangarawe (fine gravel) kureva rukangarahwe.
- VaBwisi vanoti kukangama (n. to be on top) kureva kukangarara. VaZigula vanoti sangalawe (n. clear pebble; crystal).
- Herero vanoti oru-kanga (n. barrenness). VaGwere vanoti lwanda (n. stony, rocky land, very hard rock) kureva rukangarahwe.