Ruambanzanga

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuRonzanzanga)

Ruambanzanga (Chirungu: sociology) kana Unenanzanga mashoko ari kushandiswa pachinyorwa chino kuturikira chinonzi sociology. Ruambanzanga chidzidzo chinobata zvinosanganisira: mugariro wenzanga; kuvamba kunoita nzanga; kukura kwadzo; kurongeka kwadzo uye masangano ari madziri. Chidzidzo ichi chinoshandisa nzira dzakatsaukana dzekuwana umbowo nenzira dzekuwongorora kuti pabatanidzwe denhe reruzivo pamusoro pezvinhu zvinoti: kugadzikika kwenzanga; kusagadzikika kwenzanga uye shanduko dzinoitika munzanga.

Ana chiambanzanga vazhinji vanoita tsvakurudzo dzinokwanisa kushandiswa kuumba mirawu nerugurupiro munzanga. Vamwewo ndivo vanonangana nekunatsurudza kunzwisisa dzidziso dziri pamusoro petsandura dzenzanga. Madingindira anocherechedzwa anosanganisira nhau dzinobata vanzanga nokudyidzana kwavo uye nhau huru dzinobata madandira enzanga nemapazi adzo.

Kupiwa kweZita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro eBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaChewa vanoti muyambo (traditional stories and teachings, customs of a people).
  • VaVenda vanoti luambo (n. language) kureva mutauro. Mamwe mazwi: amba (v. talk).