Angu
(Redirected from Pangu)
Jump to navigation
Jump to search
Chinyorwa chino chakaunganidza mazwi anodudza kuti ndini mwene wechinhu chabva kutaurwa. Izwi rinodudza kuti ndini mwene rinoshanduka zvichienderana nokuti chabva kurehwa chiri pamupanda wemazita upi.
- Angu - sokuti mazino angu.
- Bwangu - sokuti hura bwangu.
- Changu - sokuti chingwa change kana chikoro changu.
- Dzangu - sokuti mbezo dzangu kana ndebvu dzangu.
- Vangu - sokuti baba vangu kana vana vangu.
- Mangu - sokuti Mumunda mangu kana mumba mangu.
- Pangu - sokuti pamba pangu kana pamuromo pangu.
- Zvangu - sokuti zvinhu zvangu kana zvitema zvangu.
- Twangu - sokuti tutsuro twangu kana tushiri twangu.
- Rangu - sokuti badza rangu kana basa rangu.
- Rwangu - sokuti rwodzi rwangu kana rurimi rwangu.
- Wangu - sokuti mwana wangu kana musha wangu.