Chitadzo

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Chivi, chitadzo kana kuti chitema zvinoreva tsika kana chiitiko chinova kukanganisa pamberi paMwari. Chivi chinogona kuonekwa sechinhu chinoshatisa hukama huripo pakati pemunhu naMwari. Muzvidzidzo zvechiKristu, chivi chinotadzisa munhu kuona Mwari uye kuyanana naye.

Zviri nyore kunzwisisa chivi maringe nemirairo gumi yaMwari.

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

  • VaIsrael vese vakagura mupango wako, ngokupauka: Yes, all Israel flouted your Torah and turned away.. (Dan 9:11)

Tsumo[chinja | edit source]

  • Chivi chinodya mwene wacho. Sin devours the one who has committed it.
  • Areva vi ati idi ribude. He who has revealed evil has caused the truth to come out.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • Mururimi rweHaya kuTanzania vanoti kibi kana mbi (bad, evil) kureva chivi.
  • Mururimi rweLuwanga vanoti eshibi (evil act or thing) kureva chivi.
  • Mururimi rweLuwanga vanoti omubi (bad, wrong, evil, ugly, unpleasant; dirty; anything which is any way offensive) kureva chivi.
  • Izwi rokuti kirungi kana ndungi (good) rinotaurwa mururimi rweHaya kuTanzania.
  • VaHerero vanoti omu-runde (Sinner) kureva mutadzi.
  • VaHerero vanoti o-runde (Sinfulness) kureva hutadzi.
  • VaLunyoro vanoti kabi (evil, danger).