Chikonzero

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuPamusana (chikonzero))

Chikonzero zvinoreva izvo zvinoitisa kuti chinhu chiitike. Vamwe vatauri vanoti chisakiso.

Vanhu vanotenda kuti chinhu chose chine chikonzero, hapana chiitiko chinongoitika chega, kunotova nechimwe chinochisunda kuti chiitike. Zvinhu zviri panyika hazvina kungoitika zvoga asi kuna Mwari akazviita kuti zvivepo. Asi ivo Mwari havana akavakonzera, vanorarama voga kubva kusingaperi kusvika kusingaperi.

Tsaona dzose dzine chinokonzera hadzingoitike dzoga.

  • Pamusana (on behalf of, for the sake, on account of).

Tsika yeHumaneja[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mutemo waPareto unoti, pakuverengwa kwemusaka nehonzeri, zvikamu makumi masere kubva muzana (80%) zvemusaka dzinoonekwa muzviitiko zvizhinji, zvinokonzerwa nehonzeri zvikamu makumi maviri kubva muzana (20%).

Zvichitodzana nemutemo uyu, kunonzi mumabhindauko chikamu makumi manomwe kubva muzana (80%) chezvinotengwa chinotengwa nechikamu makumi maviri kubva muzana (20%) chevatengi - kureva kuti ruzhinji rwevatengi (80%) vanotenga zvjnhu zvine hukoshi hwunosvika 20%. Hapana chakakosha panhamba 80% asi kungoti ndiyo nhamba inonyanya kuwonekwa panocherechedzwa hukama hwezvikonzero nemhedzisiro pazvinhu zvizhinji.

Zvirevo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kamuti kupinyuka mheno akapinyura. If a (burning) stick springs up someone must have made it do so.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaHerero vanoti otyi-ungura (result; advantage; effect).
  • VaWanga vanoti khuchira (causes, reasons, be the reason for). Eshichira (n. reason, cause). VaBukusu vanoti khuukila (v. cause, be reason of).
  • VaZigula vanoti chisa kana visa (cause, be the reason for). Mamwe mazwi: Visa va hondo ya Somaliya ni vingi (The causes of the war in Somalia are many).
  • MaZulu vanoti isisusa kana izisusa (Cause, origin, motive). Mamwe mazwi: umsusi (One who starts or originates anything).