Svetuka kuchirochemo

Munhu Mupara

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMutorwa (wekunze))

Mutorwa kana munhu mupara (Stranger, Foreigner) apa kureva munhu anobva kunze kwenyika kana vasiri vemhuri kana ruwa rwuri kutaurwa nezvarwo.


  • Mupara (Stranger, Foreigner). Pakuwanda kwonzi vapara. Zvichida ndipo panobva zita rinonzi Chipara?
  • Mupfumba kana vapfumba pakuwanda (foreigner or alien) apa kureva munhu muwuyi, asiri chizvarwa chenzvimbo iyoyo kana werudzi rwepo.
  • Ndiri mupfumba nomunhu mupara pakati penyu: I am a foreigner living as an alien with you (Genesis 23:4).
  • Ndizvo vakapa Jakobe zveshe zvimwari zvipara zvaiya munyara dzavo: They gave Jacob all the foreign gods in their possession..... (Genesis 35:4).
  • “Ndiwe here Dhanieri, umwe wevana vakachakatwa vaJudha, vaakaunza mambo baba angu kubva kwaJudha? Are you Daniel, one of the exiles my father the king brought from Judah? (Daniel 5:13, Bhaibheri reChiNdau)

Kurerutsa Mutauro

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • ... mhatso yaJakobe yakabuda kubva kuvanhu vanoereketa ndimi yevapara - (Psalm 114:1, Bhaibheri reChiNdau).
  • Ndinogara kudai ngomupara munyika: I am a stranger on earth - (Psalm 119:19, Bhaibheri reChiNdau).
  • Tingaita maemberenyi ruyo rwaMambo Mwari tiri munyika mukanza? How can we sing the songs of the Lord while in a foreign land? Psalm 137:4.
  • Zia ngegwinyiso kuti mibarirwana yako inozoita vapfumba munyika isiri yavo: Know this for certain: your descendants will be foreigners in a land that is not theirs. (Genesis 15:13).
  • ... Judah wakasvipisa ndau yakachena yaMambo Mwari yaanoda, wakaroora mwanasikana wechimwari chipara: Judah profaned the sanctuary of Adonai which He loves, by marrying the daughter of a foreign god (Malachi 2:11, Bhaibheri reChiNdau).

Kune mazita emhuri anonzi: Mupara, Muparaganda naChipara.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • VaBemba vanoti mweni (foreigner) kureva munhu mupara. Mamwe mazwi: eni (foreign). VaShambala vanoti mgeni (foreigner). VaGiryama vanonyora vachiti mu-jeni (n. alien, foreigner) kureva mweni.
  • VaNgala vanoti lipaya (n. visit) kana mopaya (adj. foreign; 2. stranger; 3. visitor). Barotse vanoti mulicaba (n. foreigner) kureva munhu mupara.
  • MaZulu vanoti isitolwa (n. one adopted into the family or community) kureva mutorwa.VaGwere vanoti mugwira (alien, foreigner, outsider, stranger) kureva munhu mupara.
  • VaHerero vanoti ovina viambangu (foreign things). VaHerero vanoti ovambangu (foreigner). Mamwe mazwi: omundu uambangu (foreigner).
  • Chuwabo vanoti mwanawedda (foreigner). Mamwe mazwi: wedda (v. walk).