Mutandira

From Wikipedia

Shoko rokuti Mutandira riri kushandiswa pachinyorwa chino kuturikira chinonzi system kuEnglish. Mutandira uri kurehwa unenge une: ndima ine miganhu yakatarwa, ine wamashandirwo ebasa nekufambiswa kwamashoko nemutowo wakarongeka. Zviitiko zvinowonekwa pakucherechedza mutandira, zviitiko zvinopota zvichidzokorora zvokuti zvinobvira kuziva zvichazoitika paMutandira munhambo dzakatarwa. Kana totaura pahuzhinji systems dzinenge dzichinzi mitandira. Pahumwe tinokwanisa kuti dandira.

Shoko rokuti mutandira rinodudzirwa kuEnglish richinzi regular organised procedure, system or community.

  • Nekumwe kutaura tingati izwi iri rinoreva kubatanidzwa pamwe, munzvimbo imwe, kwezvinhu zvine ukama huri kutarirwa.
  • Mutandira rinoonekwa pakuva nezvinhu zvinobatirana, nekurarama, nekudyidzana pamwe munzvimbo kana nhambo yakatarwa.

Kuti titsanangure Mutandira tinogona kusanganisira:

1. nhengo dziri paMutandira;
2. mashoko anodudza mashandirwo emabasa nendima dzinoshandwa nenhengo dzirimo;
3. mitemo inotonga nhengo dzirimo uye;
4. zvinyorwa zvinotaura ukama huripo pakati penhengo (elements, stakeholders) idzi;
5. nekutara miganhu yeMutandira, uye miganhu yezvinotenderwa kana kusatenderwa kuitika kana kuti kuva nhengo.

Mutandira une hukama hunosimbiswa neenzane pakati pezvinopimwa (equations & relationships), maitirwo ezvirongwa (procedures & protocols), zvinyanye (extrema), zvichingodaro.

Mutandira - co-existing or working combined together kana kuti regular organised procedure, system or community pakupirikira kuEnglish.

KuEnglish system inodudzirwa ichinzi any formulated, regular, or special method or plan or procedure or an assemblage or set of correlated members.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

Kune Mitandira yakatsaukana inotaurwa KuScience anosanganisira:

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]