Zvinyanye

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo cheMasvomhu, zvinyanye (extrema) izwi rinodudzira panogumira hukuru uye huduku hwemupimo uri kutaurwa nezvawo. Sokuti mvura inowanikwa pakati pezvinyanye zve 0-100o Celsius. Zvinyanye izita rapiwa richitora pakutaura kwemazuva ose patinoti "zvanyanya, zvanyanyisa kana kuti zvakanyanya - kuChirungu vachiti extreme or extremely". Kana totarisa humwe hweZvinyanye tinoti chinyanye (extremum, singular)

Nharire (Maximum) - iri izita rapiwa kududzira panogumira hukuru hwemupimo uri kutaurwa nezvawo. Sokuti muZimbabwe motokari dzinotenderwa nharire yemuchacha we 120 km/hr pamigwagwa mikuru. Mukutaura kwemazuva ose nharire inzvimbo yakakwirira, paive nemunhu airinda nyika yaShe achitarira kuti kune vavengi vanouya here.

Nhika (Minimum) - iri izita rapiwa kududzira panogumira huduku hwemupimo uri kutaurwa nezvawo. Sokuti hurumende inoronga kutara mari inotambiriswa vashandi ive panhika ye$150 pamwedzi. Pakutaura kwemazuva ose nhika inzvimbo iri pakadzika tichifananidza nenhraunda yenzvimbo iyoyo.

  • Manziwo (1. Boundary, 2. Outside edge e.g of sleeping-mat, or field) zvinoreva zviri kumucheto kunopera chiro - sokuti kumanziwo kwerupasa kana munda. Shoko iri rinokwanisa kuzoshanda kuturikira inonzi extreme kuEnglish.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kimbundu vanoti kateke-teke (n. minimum).