Mhizha

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuHumhizha)
Vapfuri imhizha dzinopfura simbi

Shoko rokuti mhizha (a capable workman, craftsman, artisan) rinotaura munhu anozivikanwa nokugona kubata namawoko achigadzira zvinhu. Asi shoko iri rinoshandiswawo kutaura vamwewo vane hunyanzvi hwekuita mabasa emaoko, vangava vanoveza matombo, vanoveza mapuranga kana vanoruka zvikukwa zvinenge mabhegi kana shangu zvinoitwa nemawoko.

Mhizha kana ari anopfura simbi kuita matemo, mapfumo, mapadza nezvimwe zvesimbi anonzi mupfuri kana muchesa.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Vakachenjera havasvairani mbeva. Clever people do not hunt mice together.
  • Mhizha mbiri hadziwirirani.Two experts are never on good terms.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaNyungwe vanoti wacipala (n. blacksmith) kureva mupfuri. VaZigula vanoti mafundi (craftsmen, handymen, technicians, architect, mechanics, solderers).
  • VaGiryama vanoti musana kana musanya (blacksmith). VaGiryama vanoti usanya (blacksmith's work).
  • VaGiryama vanoti kusanya (to forge; to do blacksmith's work). VaLenje vanoti muya kana muuya (skilled workman, mechanic, smith).
  • VaChewa vanoti nzeru (art, skill, wisdom, a piece of wisdom) kureva kuchenjera mabasa remaoko.
  • Mang'anja vanoti muomba (a skilled craftsman) vachireva mhizha. Mang'anja vanoti womba kana omba (to work, to work material, mould) vachireva kugadzira kana kuumba.