Svetuka kuchirochemo

Mupambo sezita

Kubva Wikipedia

Mupambo izita rinowanikwa muZimbabwe.

  • Vanhu vane zita iri: Simon Mupambo; Victoria Mupambo; Samantha Mupambo.
  • Kupamba (v. to colonize; to bind with cord).

Mitauro yeAfrika

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeAfrica, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Pane tarisiro yekuti mitauro yeAfrika inotodzana mazwi.

  • MaZulu vanoti umphambo (Network of fibre placed round a cracked vessel) kureva chirukwa chekupamba hari yakatsemuka.
  • MaZulu vanoti phamba (v. Place a network of fibre round a cracked vessel).
  • Sangho inoti pambo (n. flat; panel). Mamwe mazwi: pambo (n. worm; earth worm).
  • Chewa inoti mpambo (over and above). Sokuti mpambo ziwiri - 2 more. Chewa inoti mpambo (skill, surpassing others).
  • Chewa inoti mpambo (n. a row or line of men, tree or thatch in which one comes above the other).
  • Nsenga inoti pambula (decide a case; settle a dispute; give judgement). Kinande vanoti omuhambo (n. an ethnic group).
  • Zigula inoti mahambo (n. clothes, adornment). Mamwe mazwi: mahambo (n. a type of fish).
  • Herero inoti omu-pambo (n. seam; cut). Herero inoti pamba (v. weave, plait, to braid, draw close together).