Mudzimai

Kubva Wikipedia

Mudzimai (kuChingezi: wife, married woman) mukadzi akaroorwa. "Kuroorwa" zvinoreva kuti vane vakabatanidzwa muwanano pasi pemutemo wenyika ne mutemo wetsika dze madzinza (senge roora). Panguva ye muchato, mukadzi asati anzi mudzamai anodanwa achinzi mwenga kana muroora).

Munyika uye munguva numeri ye vakadzi kana vadzimai vanokwanisa kuroorwa nemurume mumwechete inoenderana nemutemo kana tsika iri pakati pevanhu. Senge muZimbabwe murume anokwanisa kuwanevakadzi vanodarika mumwechete nekuda kweChidaviro chake, dzinza rake kwete pasi pemutemo wenyika munhu haabvumidzwi kudaro. Uye, varume chete wanokwanisa kuroora vakadzi vakawanda, vakadzi vangochani havato bvumidzwi kuroora (chero mukadzo mumwechete kana vazhinji) muZimbabwe pamutemo wenyika, chero patsika uye pazvidaviro zvemo munyika.

Pane mazita akasiyana emadzimai zvichienderana nenzvimbo yavo munyika. Enzano, mudzimai waMambo anonzi wo Mambokadzi.

Murume anemudzimai akafa anodanwa kunzi pfunda/pfundarume (chenjerai kusanganisa izwi iri ne tsvimborume kana tsvukachin'ai).

Chidaviro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Vakristu ne Vajudha vanongokwanisa kuvanemukadzi mumwechete basi, tsika iyi inonzi monogami.

MuchiIziramu murume anokwanisa kuva nevadzimai vanosvika ina (mudzimai wake anofanhira kunge abvuma wo kuti zvidaro). Tsika iyi yekuva nevadzimi vazhinji inonzi porigami (pwarigami).

Tarisai futi mapeji aya:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]