Mambokadzi

Kubva Wikipedia
Mambokadzi Nzinga we Umambo Ndongo

Mambokadzi (vazhinji: Vamambokadzi; Anamambokadzi) ndimambo wechikadzi, akaenzana parheniki ne dumidzo naMambo, anotonga ari ega panzvimbo inozivikanwa se "umambo"; kusiyana ne Haranga (Mambokadzi Mudzimai) anonzi wo Mambokadzi nekuda kwekuti mudzimai wamambo anotonga; kana Mambokadzi Mufanotonga, anova muchengeti wemwana mutongwa uye anotonga pachigu (nguva pfupi) pachinzvimbo chemwana, angave pachironzo (de jure) mukugoverana masimba kana pachidi (de facto) mukutonga ari oga. Chandakadzi (kana mamoyo) kureva mwanasikana weutongwa wechikadzi anotonga ari ega pamusoro pe "Vuchinda"; Bwamikadzi kana Hwamikadzi ndimambo wechikadzi akaenzana narhengi uye dumidzo naHwami / Bwami, anotonga ari ega pamusoro pe "Ubwami".

Mambokadzi anemasimba uye anomashandisa pakutonga, ukuwo Mambokadzi Mdzimai kana kuti mambokadzivanogovana chinzvimbo nemazita emumwe wake uye/kana wemwana asi vasingagovani nehutongi hwemurume wake kana mwana. Murume wamambokadzi akadzora pachivanhu haagoverane chinzvimbo, chinzvimbo, kana hutongi hwemambokadzi. Nekudaro, iyo pfungwa yemambo muroora kana muchinda consort haisati yambonzwika mune zvese zvazvino uye zvekare nguva.

Chirikadzi ya Mambo kana Chirikadzi ya Bwami ishirikadzi ya Mambo kana Hwami; Amai Mambokadzi ndi Chirikadzi ya Mambo ndiyewo amai weUmambo urikutonga..

Mazwi ashandiswa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]