Mhene (mhuka)
Mhene (Steenbuck or steenbok) imhuka inenge mhembwe pachiumbiko chayo asi iyo ine muviri mudiki - inowanikwa munyika dziri kuchamhembe nekumabvazuva kweAfrica.
Chirarapazuva kana chivatapamhene (ram of steenbuck) apa kureva mhene hono inozvarisa.
Zvadzinodya[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Mhene dzinofura bundo riri pakaderera nokuti hadzikwanise kusvikira panodarika 0.9 m uye dzajaira kupara midzi. Kunonzi mhene dzinonwa mvura shomane nokuti mvura yadzo zhinji dzinoiwana kubva muchikafu chadzinodya. Mhene dzinodya michero yesango, hadzifure sora zvakanyanya.
Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Ratidzo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Hono, Etosha National Park