Mbiru

Kubva Wikipedia

Mbiru (Pillars, columns of building) zvinoreva matanda makobvu anotsigira denga remba kana nhano dzepamusoro pachivakwa chemudurikidzanwa. Mbiru dzingava dzakagadzirwa nezvidhinha, concrete, simbi kana matanda emuti. Chakakosha kuti mbiru ive yakasimba zvokugona kutakura mutoro wakagara pamusoro payo. Vamwe vatauri vanoshandisa izwi rokuti shongwe kutaura mbiru

Chivakwa chiri panhandare yendege Harare Aiport chine mbiru dzine kuumbwa kwemhanda kumusoro kwadzo.

Bango rine mhanda rakamira rinoshandiswa sembiru kutsigira chivakwa rinonzi bindu.p

Chitendero[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shongwe yeBabel (Tower of Babel) inotaurwa muBhaibheri senzvimbo yakaungana guwende revanhu vaine chinangwa chokuvaka shongwe inosvika kudenga. Vanhu ava vakanaga vaine donzvo rokuti kana vavaka shongwe iyi, ivo pachavo vaizove nemukurumbira pakutaurwa kwenhoroondo yevanhu; vaida kuti zita ravo nemabasa avo akurumbire. Shoko raMwari (Genesis 11:3-4) rinoti panguva iyi vanhu vakanga vari rudzi rumwe, vaine mutauro mumwechete, vachigona kunzwisisana vose vemhuri dzakasiyana. Shoko rinowonesa kuti Mwari havana kufara nechinangwa chevanhu chekuda kuzvitsvakira mbiri, saka Mwari vakaparadzanisa vanhu vakavaendesa kunzvimbo dzakasiyana. Panguva iyoyi mhuri dzevanhu dzakapihwa mitauro yakasiyana, vanhu vakabva vatadza kunzwanana mitauro yavo (Genesis 11:6-9).

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kikongo vanoti songa (justice, uprightness, rectitude, correctness, integrity, virtue, honesty, propriety, lawful, righteousness, be moral).
  • Kikongo vanoti songesa (v. rectify, make or prove right, to correct, revise, vindicate). Fananidzai nokuti shongwe.