Zvidhinha

Kubva Wikipedia
Zvidhinha (Madagascar)

Zvidhinha (bricks) zvinoreva ivhu rakakanyiwa nemvura rikawumbwa muforoma richizopiswa pahovhoni nemoto kuti risimbe. Zvidhinha zvinoshandiswa kuvaka imba, nekushongedza pamba mubindu.

Bhaibheri rinotaridza kuti makarekare kuEgypt vakanga vave kukanya zvidhinha vachikavisa nazvo. Rinotaura mubhuku raExodus 5:7 richiti, "Musarambe muchipa vanhu huswa hwokuita zvidhinha nahwo sezvamakaita kusvikira zvino; ngavaende vanozviwunganidzira huswa vomene.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti isitini kana izitina (Afrikaans: steen - meaning brick) kureva chidhinha.
  • VaMambwe vanoti sitina (Brick) kureva chidhinha.
  • VaYao vanoti chikombole (brick mould). [Va[Yao]] vanoti kugumba (v. to mould).
  • VaLozi vanoti -kombola (v.t. to form bricks in a mouid) vachireva kukanya zvidhinha. Mamwe Mazwi: sikombole (n. brick-mould).