Mukurumbira
Mataridziko
Mukurumbira kana kuti guhu (fame) zvinoreva kuzivikanwa nevanhu vazhinji nokuda kwechimwe chinhu chakanaka chawakaita kana chaunogona. Oliver Mtukudzi akaita mukurumbira nokuimba.
- Mbiri (1. Renown, 2. Notoriety, 3. Glory, 4. Report) zvinotaurwa pamunhu kana chinhu chakakurumbira chinozivakanwa nevazhinji chingava chinzivikanwa mumabasa akanaka akana asina kururama.
- Mbirikira kana kuvirikira (Publicity) apa kureva kuzivikanwa kwemunhu kana mabasa ake. Uroyi hwake hune mbirikira: the fact that she is a witch is known everywhere.
- Mbirikiro, mukurumbira kana kuvirikira (Reputation. Fame. Renown). zvinotaura mukurumbira wemunhu nemabasa ake. Ane mbirikiro yokurima: he is a famous farmer.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kuwirikira, kukurumbira, kukurumbirwa (to be famous, to be spoken well of) apa kureva kuva nembiri .
- Kutunhidza kana kutunhidzira (glorify).
- Guhu (news, report, rumour) kureva nhau kana nhurwa dzinotaurwa pamusoro pemunhu, nzvimbo kana chinhu.
Tsumo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mbiri matende inoputsika. Fame is like gourds, it breaks.
Mitauro eBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]to place articles together into
- VaYao vanoti limbili (fame; character; renown) vachireva mbiri. VaBukusu vanoti eefuma (n. glory, fame, prominence).
- VaBemba vanoti lulumbi (n. fame) kureva mukurumbira. Mamwe mazwi: lumbuka (famous) kureva kuita nembiri.
- VaKongo vanoti a mpila (of the kind of). Sokuti mbele a mbila yame - a knife of same kind as mine.
- VaChewa vanoti mbirinjira (that of which the report is greater than the reality). VaChewa vanoti kutama kana kupambanitsa (to glorify).