Shongwe yeBabel

Kubva Wikipedia

Shongwe yeBabel (Tower of Babel) inotaurwa muBhaibheri senzvimbo yakaungana guwende revanhu vaine chinangwa chokuvaka shongwe inosvika kudenga. Vanhu ava vakanga vaine donzvo rimwe; vaida kuti zita ravo nemabasa avo akurumbire. Vakati kana tavaka shongwe iyi, tichaita mukurumbira uchapfumbira pakutaurwa kwenhoroondo yevanhu. Mavambo 11:1-9.


Adam kusvika Noah[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko raMwari rinotaura kuti Mwari vakasika munhu wokutanga anonzi Adam. Uyu Adam ndiye akazova tateguru wevanhu vakapararira Pasirose. Mushure memakore 1656, Mwari vakaparadza nyika neguwe remvura rakatekeshera Pasirose. Guwe iri rakaparadza vanhu vose kukararama vanomwe chete. Panyika pakasara: Noah nemudzimai wake; vanakomana vake vatatu nemadzimai avo - kureva kuti kwakararama vanhu vanomwe (8). Mushure mezvi, Mwari vakaraira vanhu kuti vaberekane vagowanda zvokuzadza Pasirose - Genesis 9:1.


Noah kusvika Babel[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Vanhu vakazvarwa mushure meGuwe raNoah havana kuda kutya Mwari; vakaita chirangano chokuti vavake Shongwe paBabel kuti mazita avo nemabasa avo agove nemukurumbira kana vachinge vapararira nenyika. Shoko raMwari (Genesis 11:3-4) rinoti panguva iyi vanhu vakanga vari verudzi rumwe, vaine mutauro mumwe uye vachigona kunzwisisana vose. Shoko rinowonesa kuti Mwari havana kufara nechinangwa chevanhu chekuda kuzvitsvakira mbiri, saka Mwari vakaranga vanhu nokuvapa mitauro yakasiyana kuti vasakwanise kunzwanane. Kubva pakurangwa ikoku, Mwari vakaparadzanisa vanhu ndokuvaendesa kunyika dzakasiyana. (Genesis 11:6-9).


Kusiyana kweGanda neMarudzi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nyanzvi dzinobata Bhaibheri neScience dzinoti ipapa pakuparadzaniswa kwakaitwa mapoka evanhu paShongwe yeBabel ndipo pakabvawo kuzosiyana kweganda revanhu vematunhu akatsaukana. Nokuti mapoka aya havaizova vakafanana pane zvose; vamwe vaiwandira pakuva nemelanin zhinji voita vatema, vamwe vachiwandira pakuva nemelanin shoma voita vachena, vamwe vaine melanin iri chepakati voita vashava zvichingodaro. Mapoka akaenda kwakasiyana akatanga kutsaukana patsika, ganda, vhudzi chiviri nechimiro. Nokufamba kwenguva zvaiti vanhu veboka rimwe vairoorana pachavo nokuti vainzwanana mutauro uye vaigara munyika imwe. Pakuzvarwa kwevanhu kwakatanga kuve nemusiyano weganda pakati pamapoka aya; izvi zvikapa kuti kuve nesu Vanhu Vatema; Varungu; maIndia; maChina; Marudzi eChivare kuNorth America; Marudzi eChivare kuAustralia; maArab zvichingodaro.