Gonhi
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuMapiyo)
Gonhi (door) zvinoreva chivakwa chinoshandiswa kuvhara mukova. Kazhinji gonhi rinogadzirwa nemapuranga akavezwa, asiwo rinokwanisa kugadzirwa nesimbi, kana plastic yakasimba.
Mamwe mazita anodavidzwa ndiwo anoti, sasa, dhowo kana kuti dimba kuchiManyika.
- Dimba (door-step, a doorsill, door, threshold).
- Musuwo, musuo kana muko (the entranceway to a room, building, or passage) apa kureva nzvimbo iri panopindwa napo mungava mumba, muchivakwa kana mubiravira.
- Gwatidziro kana muziyo (door-post).
- Sasa rairukwa netsanga. Vamwe vanoti ruvi pahuwandu voti nduvi. Ziruvi ukagova mutupo wevanhu.
- Mbindirira kana bindirira isuwo riri mukati memba risingabude kunze.
- Mukova, ngamo kana njemo (doorway, access, open yard on a homestead).
- Biyo kana mapiyo (poles put across a gate) chitanda chaishandiswa kuvhara chakatandarika pagonhi kana pamusuwo.
- Kukwedekera (guarded and/or made stronger so that it is difficult for people to enter or leave (e.g. door).
- Mbwa kana imbwa (Wedge). Gamha gonhi neimbwa: hold the door using the wedge.
- Kupotera (to enter) apa zvichireva kupinda - izwi rinobva kuChiNdau.
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mbudo, rubudiro (Exit) igonhi rinoshandiswa kubuda naro panzvimbo.
- Mbindo, rupindiro (Entrance) igonhi rinoshandiswa kupinda naro panzvimbo.
- Mbudo panjodzi (Emergency Exit) igonhi kana nzira inoshandiswa kubuda panguva yokunge munhu atarisana nenjodzi.
- Chikumbatidzo kana chidimbare (lintel).
- Zambara (entrance, gateway, big gate).
- Psalm 118:20 Uyu ndiwo musiwo waMambo Mwari, vakarurama vanozopotera ndiwo: this is the gate of the Lord through which the righteous shall enter - (kubva kuBhaibheri reChiNdau).
Zvirevo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mizhezhekedzwa ndiyo inosukudza. Creaking doors hang longer (than anticipated).
Mitauro yeAfrika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Tumbuka] inoti chijala (door) kureva gonhi. Takwane] inoti musiwo (door) kureva musiwo. Nyungwe inoti msuwo (n. door) kureva musuwo.
- VaKongo vanoti zambala (n. fringe). VaMaconde vanoti nango (n. door) vachireva gonhi kana musuwo.
- Kikuyu vanoti muromo kana miromo (n. door; gate; ingress) kureva musuwo. Mandinka vanoti suu kana suwo (n. home) kureva musha.
- VaWabo vanoti musuwo kana misuwo (n. door) kureva musuwo. Uyo Ibibio inoti biyo (pass, pass by; cross).