Manhenda

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti manhenda (uncertain outcome) rinotaurwa panenge pasingazivikanwe kuti zvichazoveyi pane chinhu chacho chiri kutariswa. Vamwe vatauri vanoti makoto.

Kune tsumo inoti Mombe yetsiru manhenda waikama - kureva kuti hazvizivikanwe kuti inokamika sei, inoburitsa mukaka wakawanda here kana kuti kwete?

Mimwe mienzaniso wemashandisirwo eshoko:

  • Kwatiri kuenda uku manhenda takudzoka. Apa kureva kuti hazvizivikanwe kuti tinokudzoka here, kuda pane chinotibata ikoko.
  • Manhenda vachiuya manheru.
  • Mwana wangu akaenda kuKariba, makoto adzoka - my child has gone to Kariba, who knows whether he will return.

Shoko iri rakakosha apo patichada kutaura inonzi risk kuchidzidzo chinodanwa kunzi Statistics and Probability kuEnglish. Wedu mutauro unawo mashoko akafanira chasara kumabatanidza kuti ave bumbiro yeruzivo.

Mazwi eBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Swahili inoti kitendo (1.act, action 2. undertaking, operation 3. feat, exploit) kureva chiito.
  • Swahili inoti tenda (make, do, act, carry out, perform, accomplish. 2. do something to someone (us. something bad or unfavorable).
  • Yao inoti tenda (to do) vachireva kuita. Mamwe mazwi: tenda kapolo (to make him/her a slave) vachireva kupinza muhuranda.
  • Yao inoti tenda soni (to be ashamed) vachireva kunyara. Kikongo vanoti tenda (to count).